Psalms 3

Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake.

1Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei!
Vakawanda sei vanondimukira!
2Vazhinji vanoti kwandiri,
“Mwari haangamudzikinuri.” Sera

3Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza;
munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.
4Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru,
uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera

5Ndinovata pasi ndigokotsira;
ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.
6Handizotyi makumi ezviuru
vakandikomba kuti vandirwise.

7Simukai, imi Jehovha!
Ndirwirei, imi Mwari wangu!
Rovai vavengi vangu vose pashaya;
gurai meno avakaipa.

8Rusununguko runobva kuna Jehovha.
Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera
Copyright information for SnaBDSC